https://archive.org/details/mweya-wanehanda
Mweya waNehanda by Solomon Mutswairo
Topics
#Nehanda, #chiShona, #UvaranomweweShona, #Uvaranomwe, #chinamato, #nhoroondo
"Nhoroondo iyi yakaumbwa kubva munhoroondo dzaanasekuru, dzematambidzanwa, nomuzvinyorwa zvenhoroondo yenyika yeZimbabwe. Mairi munobudawo rondedzero yokwakabva mweya waNehanda, namasvikiro akatambidzana mweya uyu—kusvika pascikiro raNehanda Nyakasikana, iro rine nziyo dzinoimbwa noruzhinji munyika yeZimbabwe."
#Nehanda #chiShona #UvaranomweweShona #Uvaranomwe #chinamato #nhoroondo
https://archive.org/details/imbwa-yemunhu
Imbwa Yemunhu by Ignatius T. Mabasa
Topics
#chiShona, #bhuku, #mabhuku, #UvaranomweweShona, #Uvaranomwe, #nganonyorwa
"Bhuku iri rinoyerera semvura, rinotapira sehuchi richiruma sembwa. Rine hupenzi, chipfambi, nzara yehupenyu, rudo, kutya, kudhakwa, Gehena nezvese zvinoita kuti unzwe kum erera nekukahadzika. Bhuku racho rese rinonakidza nyangwe ukaritangira chero pawaritangira haushaye chinokunakidza.
Mutauro webhuku iri unonyatsoburitsa nguva dzatave kurarama. Nyaya iri mubhuku in inoburitsa chokwadi chezviri muhupenyu hwevazhinji — tiri kurwisana nemadhimoni mazhinji muhupenyu, tiri kurwisana nekushaya simba sevanhu, uye tiri kukungura mikana yatinopihwa naMwari tichitadza kushandisa.
Vaverengi vanoziva manyorero aMabasa vachanzwa kuti Imbwa Yemunhu inyaya yemunhu ari kutsvaga rusununguko asi rusununguko urwu nderwemweya. Ndizvo zvinoita kuti Musavhaya asiyane naBetty wemuna Ndafa Here? Mabasa anosvika musingasvikike nekupinda musingapindike. Mabasa anodenha, anosetsa nekushamisa kubudikidza nekushandisa chidavado chezvisingaitike mazuva ese kufanana nemapeteanotaura nezvimwe zvizhinji."
#chiShona #bhuku #mabhuku #UvaranomweweShona #Uvaranomwe #nganonyorwa